Chitsauko 1

1 Petro, muwapostora waJesu Kristu, kune wakatsarwa wakatorwa munyika wakapararira mupondasi, Garacia, neKapadhonia, Ezhia neBhitinia, 2 wakatsarwa nemahererano nekuziwa zviri mberi zvinoita Mwari, wachipupurirwa neMweya Mutswene, kuti muterere Jesu Kristu nekusaswa neropa rake. Kuti Nyasha dziwe nemi uye rugare rwenyu rewande. 3 Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, ngaarumbidzwe Nengoni dzake dzekuru, akatibereka patsva akatipinza mutariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa, 4 akatiisa munhaka isingagoni kuparara, isingaori kana kusvawa, yamakachengeterwa kudenga, 5 imi munodzivirirwa nesimba raMwari nokutenda kusvikira ruponeso rwauya rwakagadzirirwa kuti ruratidzwe munguva dzokupedzisira. 6 Mune izvi munofara zvikuru kunyange zvino, kana zvichifanira, muchitambudzika kwechinguva chiduku nenzira dzose dzemiedzo. 7 Izvi zvakauya kuitira kuti kutenda kwenyu, kunokosha kupfuura goridhe, rinoparara kunyange zvaro rakanatswa nomoto, kuwanikwe kwakakwana uye kuve kunorumbidzwa, kunobwinya uye kunokudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu. 8 Kunyange musina kumuona, munomuda; kunyange zvazvo musingamuoni zvino, munotenda kwaari uye muzere nomufaro usingagoni kurondedzerwa. 9 Nokuti muri kugamuchira chinovavarirwa nokutenda kwenyu, irwo ruponeso rwemweya yenyu. 10 Nezvoruponeso urwu, vaprofita vakataura nezvenyasha dzaizouya kwamuri, vakanzvera zvikuru uye vakabvunza zvikuru, 11 vachiedza kunzvera kuti vaone nguva nezvinhu zvairatidzwa noMweya wakanga uri mukati mavo pawakaprofita nezvokutambudzika kwaKristu, uye nezvokubwinya kwaizotevera. 12 Zvakapangidzwa kwavari kuti vakanga vasingazvishumiri ivo, asi imi, pavakataura nezvezvinhu zvakataurwa kwamuri zvino naavo vakaparidza vhangeri kwamuri noMweya Mutsvene wakatumwa uchibva kudenga. Kunyange vatumwa vanoshuva kuona zvinhu izvozvi. 13 Naizvozvo, pfungwa dzenyu ngadzigadzirire kushanda, muzvidzore; muise, zvizere, tariro yenyu panyasha dzamuchapiwa pakuonekwa kwaJesu Kristu.  14 Sawana vanoteerera, musaenzaniswa nezvido zvakaipa zvamaiva nazvo pamairarama mukusaziva. 15 Asi, saiye akakudanai mutsvene, ivai vatsvene pane zvose zvamunoita. 16 nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Iwai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.”  17 Sezvo muchidana kuna Baba vanotonga basa romunhu mumwe nomumwe vasingatsauri, mugare upenyu hwenyu pano savatorwa muchitya. 18 Nokuti munoziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinhu zvinoora, zvakadai sesirivha kana goridhe, kubva paupenyu hwenyu husina maturo, hwamakagamuchira kubva kumadzitateguru enyu, 19 asi neropa rinokosha raKristu, iro gwayana risina charingapomerwa uye risina kuremara 20 Akasanangurwa kare nyika isati yavapo, asi akaratidzwa kwamuri mumazuva ano okupedzisira nokuda kwenyu. 21 Kubudikidza naye munotenda kuna Mwari, akamumutsa kubva kuvakafa uye akamukudza, kuti kutenda kwenyu netariro yenyu zvive muna Mwari. 22 Zvino zvamakanatsa mwoyo yenyu nokuteerera chokwadi kuitira kuti mude hama muzvokwadi, munofanira kudanana zvikuru, zvichibva pamwoyo. 23 Nokuti makaberekwa patsva, kwete nembeu inoora, asi isingaori, neshoko raMwari benyu uye rinogara nokusingaperi. 24 Nokuti, “Vanhu vose vakaita souswa, uye kuyevedza kwavo kwakaita samaruva ouswa; uswa hunosvava uye maruva anowira pasi, 25  asi shoko raShe rinogara nokusingaperi.” Uye iri ndiro shoko ramakaparidzirwa.