Ndima 5

1 Mumwe nomumwe, unotenda kuti Jesu ndiye Kristu, iye wakaberekwa naMwari;

mumwe nomumwe, unoda iye wakabereka, unodavo wakaberekwa naye.

2 Ndizvo zvatinoziva

nazvo kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, tichiita mirairo yake.

3 Nokuti rudo

rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirairo yake; mirairo yake hairem

4 4 Nokuti chinhu chipi nechipi, chinoberekwa naMwari chinokunda nyika; uku ndiko kukunda

kunokunda nyika, ndiko kutenda kwedu. 5

5 Ndianiko unokunda nyika? Haazi iye unotenda kuti

Jesu Kristu; ndiye mwanakomana waMwari here?

6 ndiye wakavuya nemvura neropa, iye Jesu

Kristu; haana kuvuya nemvura bedzi, asi nemvura neropa. Mweya ndiye unopupura nokuti

mweya ichokwadi

7 Nokuti vatatu vanopupura kudenga Baba, Shoko naMweya Mutsvene, ava vatatu ndimumwe.

8 Varipo vatatu vanopupura panyika zvinoti Mweya, mvura neropa izvi zvitatu ava vatatu

vanotenderana pachinhu chimwe.

9 Kana tichigamuchira kupupura kwavanhu, kupupura

kwaMwari kukuru; nokuti kupupura kwaMwari ndiko, kuti wakapupura pamusoro

poMwanakomana wake.

10 Uyo, unotenda kuMwanakomana waMwari, kupupura unako mukati make; usingatendi

Mwari, wakamuita murevi wenhema; nokuti haana kutenda kupupura kwakapupurirwa naMwari

pamusoro poMwanakomana wake.

11 Kupupura ndiko, kuti Mwari wakatipa vupenyu

bwusingaperi; zvino vupenyu ubwu bwuri muMwanakomana wake.

12 UnoMwanakomana, unovupenyu; usinoMwanakomana waMwari haanovupenyu 13 Ndakakunyorerai zvinhu izvi kuti mugoziva kuti munovupenyu bwusingaperi, iyemwi

munotenda kuzita romwanakomana waMwari.

14 Ndiko kusatya, kwatinako kwaari, kuti kana

tichikumbira chinhu nokuda kwake, unotinzwa;

15 zvino kana tichiziva kuti unotinzwa pazvose

zvatinokumbira, tinoziva kuti tapiwa mikumbiro yatakakumbira kwaari.

16 Kana munhu achivona hama yake ichiita chinhu chisati chiri chorufu, uchakumbira, Mwari

agomupa vupenyu bwunopiwa vasingaiti chivi chorufu. Chiripo chivi chorufu; handiti akumbire

pamusoro pechichi.

17 Kusarurama kose chivi; zvino chivi chiripo chisati chiri chorufu. 18

Tinoziva kuti mumwe nomumwe wakaberekwa naMwari haaiti zvivi; asi wakaberekwa naMwari

unochengetwa naye, wakaipa haangamubati.

19 Tinoziva kuti tiri vaMwari, nenyika yose ivete munaiye wakaipa. 20 Tinoziva kuti

mwanakomana waMwari wakavuya, akatipa kuziva, kuti tizive iye wechokwadi; nesu tiri munaiye

wechokwadi, mumwanakomana wake Jesu Kristu. Ndiye Mwari wechokwadi, novupenyu

bwusingaperi.

21 Vana vaduku, zvichenjererei pazvifananidzo