ndizvo zvatiri vo; saka nyika haitizivi, nokuti haina kumuziva iye.
2 Vadikamwa, zvino tiri vanavaMwari, uye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei. Tinoziva kuti kana achizovoneswa, isu
tichafanana naye; nokuti tichamuvona sezvaakaita.
3 Mumwe nomumwe unetariro iyi kwaari, unozvichenesa sezvaa iye. 4 4 Mumwenomumwe unoita zvivi, unodarika nomurairo vo; zvivi ndiko kudarika murairo.
5 Munoziva kutiiye wakavoneswa kuti abvise zvivi; maari hamunezvivi.
6 Mumwe nomumwe unogara maari, haaiti zvivi; mumwe nomumwe unoita zvivi, haanakumuvona kana kumuziva.
7 Vana vaduku, musatsauswa nomunhu; uyo, unoita zvakarurama, wakarurama, saiye akarurama. 8 Uyo, unoita zvivi, ndowaDhiabhorosi, nokuti Dhiabhorosi unoitazvivi kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari wakavoneswa nemhaka iyi kuti aparadze
mabasa aDiaborosi.
9 Mumwe nomumwe wakaberekwa naMwari haaiti zvivi, nokuti mbeu yake inogara maari, haagoni kuita zvivi, nokuti wakaberekwa naMwari. 10 Vana vaMwari vanovoneswa naizvozvi, navana vaDhiabhorosi; mumwe nomumwe usingaiti zvakarurama, haazi waMwari, naiyevousingadi hama yake.
11 . Nokuti ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidane;12 tisingaiti saKaini, wakanga ari wowakaipa, akavuraya munununa wake. Wakamuvurayireiko?
Nokuti mabasa ake akanga akaipa, asi omunun'una wake akanga akarurama.
13Musashamiswa, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai.
14 Tinoziva kuti takabva murufu, tapinda muvupenyu, nokuti tinoda hama. Uyo, usingadi, hama yake unogara murufu. 15 Mumwe nomumwe unovenga hama yake, muvurayi; munoziva kuti hakunomuvurayiunovupenyu bwusingaperi bwugere maari.
16 Ndozvatinoziva rudo nazvo, kuti wakatipavupenyu bwake; nesuvo tinofanira kupa hama vupenyu bwedu.
17 Asi kana munhu anefumayenyika, akavona hama yake ichishaiwa, akamupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari runogara
seiko maari?
18 Vana vaduku, ngatirege kuda neshoko kana norurimi, asi nebasa nemuchokwadi 19 Ndizvo
zvatichaziva nazvo kuti tiri vechokwadi, tigosimbisa moyo yedu ichitipa mhaka, Mwari mukuru
kumoyo yedu, unoziva zvose.
20 nokuti kana moyo yedu ichitipa mhaka, Mwari mukuru kumwoyo vedu, unoziwa zose.21 Vadikamwa, kana moyo usingatipi mhaka, tinako kusatya pamberi paMwari; 22 uye zvose
zvatinokumbira tinopiwa naye, nokuti tinochengeta mirairo yake, tichiita zvinomufadza.
23 Ndiwo murairo wake, kuti titende kuzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye tidane, sezvaakatiraira. 24 Unochengeta mirairo yake, unogara maari, naiye maari. Ndizvo zvatinozivanazvo kuti unogara matiri, noMweya waakatipa.