Ndima 3

1 Tarirai kukura korudo rwa takaitirwa naBaba, kuti tinzi vanakomana vaMwari;

ndizvo zvatiri vo; saka nyika haitizivi, nokuti haina kumuziva iye.

2 Vadikamwa, zvino tiri vana

vaMwari, uye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei. Tinoziva kuti kana achizovoneswa, isu

tichafanana naye; nokuti tichamuvona sezvaakaita.

3 Mumwe nomumwe unetariro iyi kwaari, unozvichenesa sezvaa iye. 4 4 Mumwe

nomumwe unoita zvivi, unodarika nomurairo vo; zvivi ndiko kudarika murairo.

5 Munoziva kuti

iye wakavoneswa kuti abvise zvivi; maari hamunezvivi.

6 Mumwe nomumwe unogara maari, haaiti zvivi; mumwe nomumwe unoita zvivi, haana

kumuvona kana kumuziva.

7 Vana vaduku, musatsauswa nomunhu; uyo, unoita zvakarurama, wakarurama, saiye akarurama. 8 Uyo, unoita zvivi, ndowaDhiabhorosi, nokuti Dhiabhorosi unoita

zvivi kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari wakavoneswa nemhaka iyi kuti aparadze

mabasa aDiaborosi.

9 Mumwe nomumwe wakaberekwa naMwari haaiti zvivi, nokuti mbeu yake inogara maari, haagoni kuita zvivi, nokuti wakaberekwa naMwari. 10 Vana vaMwari vanovoneswa naizvozvi, navana vaDhiabhorosi; mumwe nomumwe usingaiti zvakarurama, haazi waMwari, naiyevo

usingadi hama yake.

11 . Nokuti ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidane;

12 tisingaiti saKaini, wakanga ari wowakaipa, akavuraya munununa wake. Wakamuvurayireiko?

Nokuti mabasa ake akanga akaipa, asi omunun'una wake akanga akarurama.

13

Musashamiswa, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai.

14 Tinoziva kuti takabva murufu, tapinda muvupenyu, nokuti tinoda hama. Uyo, usingadi, hama yake unogara murufu. 15 Mumwe nomumwe unovenga hama yake, muvurayi; munoziva kuti hakunomuvurayi

unovupenyu bwusingaperi bwugere maari.

16 Ndozvatinoziva rudo nazvo, kuti wakatipa

vupenyu bwake; nesuvo tinofanira kupa hama vupenyu bwedu.

17 Asi kana munhu anefuma

yenyika, akavona hama yake ichishaiwa, akamupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari runogara

seiko maari?

18 Vana vaduku, ngatirege kuda neshoko kana norurimi, asi nebasa nemuchokwadi 19 Ndizvo

zvatichaziva nazvo kuti tiri vechokwadi, tigosimbisa moyo yedu ichitipa mhaka, Mwari mukuru

kumoyo yedu, unoziva zvose.

20 nokuti kana moyo yedu ichitipa mhaka, Mwari mukuru kumwoyo vedu, unoziwa zose.

21 Vadikamwa, kana moyo usingatipi mhaka, tinako kusatya pamberi paMwari; 22 uye zvose

zvatinokumbira tinopiwa naye, nokuti tinochengeta mirairo yake, tichiita zvinomufadza.

23 Ndiwo murairo wake, kuti titende kuzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye tidane, sezvaakatiraira. 24 Unochengeta mirairo yake, unogara maari, naiye maari. Ndizvo zvatinoziva

nazvo kuti unogara matiri, noMweya waakatipa.