Ndima 1

1 Izvo zvakanga zviripo kubvira pakutanga, zvatakazwa, zvatakavona nemadziso edu, zvatakaninguira, nezvatakabata namahoko edu, zveShoko roupenyu 2 (upenyu wakaratidzwa, tikawuvona, tinopupura nokukuparidzirai upenyu usingaperi, wakanga uri kunaBaba, ukaratidzwa kwatiri); 3 3 Izvo zvaakavona, nezvatakazwa, ndizvo zvetinokuparidziraivo, kuti nemivo mudanane nesu;

kudanana kwedu tinako naBaba, noMwanakomana wake Jesu Kristu.

4 Zviro izvi

tinokunyorerai, kuti kudakara kwenyu kuzadziswe.

5 iyi ndiyo mharidzo yatakanzwa kwaari, yatinokuparidzirai vo, kuti Mwari chiedza, hamunarima maari. 6 Kana tichiti, tinodanana naye, tichihamba murima tinobuya zvekunyepa, hatiiti chokwadi; 7 asi kana

tichihamba muchiedza, saiye ari pachiedza, tinodanana isu; neropa raJesu Kristu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zveshe.

8 Kana tichiti, hatinazvivi, tinozvinyepera, chokwadi hachisi matiri. 9 Kana tichizvirevurira zvivi zvedu, iye wakatendeka wakarurama, nekudaro kuti

unotiregerera zvivi zvedu, nokutinatsa pakusarurama kweshe.

10 Kana tichiti, hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake arisi matiri.